PTK
Hupenyu Hautengeke
[Intro: Soul Jah Love]
(Bodyslam Records)
Tell dem seh PTK
Vataurire kuti handibatike
Handikundike handichadhiniwa
Kunyangwe ivo vandituke

[Verse 1: Soul Jah Love]
Pandakazvarwa vamwe vakauya nezvipo
Vachitotiwo makorokoto
Vaishora vamwe vachingoti hapana
Ndopazozvarwawo zviroto
Nekufurira mai vamwe vemumaraini
Mwana mukande muchoto
Vaisaona zvemberi, vaingoti hapana uyu
Mwana uyu matoto

[Pre-Chorus: Soul Jah Love]
Munonzwa zvakunzi
Ndini ndakamuimbisa
Ndini ndakamuchenesa
Ndakamutengera hembe
Ndini ndakaita kuti zvifambe
Saka imi musazvirambe
Ndini ndaimudriver
Ndini ndakaita kuita kusurviver
Ndini ndakamupinza kumberi
Asi hupenyu ndewaMwari
Hameno nei
[Chorus: Soul Jah Love]
Hakuna munhu anochengeta munhu
Munhu anochengetwa naMwari
Haachengetwe nemari
Unonzwa zvakunzi
Ndini ndakamuchengeta
Kunge ndiwe Mwari
Hakuna munhu anochengeta mumwe Munhu
Munhu anochengetwawo naMwari
Kwete nemari kwete nemari
Inzwa iwe shamwari

[Verse 2: Soul Jah Love]
Unonzwa zvakunzi
Wapaziva pandakakupa 5 dhombie
Uchiti urikuda kunokwira kombie
Ndokundichengeta kwacho here
Nhai iwe sei usinganyare
Ndini ndakamusimbisa
Vanhu vese vachida kumupikisa
Ndini ndakamubatsira
Vachimurwisa
Ndini ndakamuwinisa
Asi Mwari
Hupenyu hautengwe nemari
Hazvisi zvepandarii
Ndohupenyu usarambe
[Chorus: Soul Jah Love]
Hakuna munhu anochengeta munhu
Munhu anochengetwa naMwari
Haachengetwe neMari
Unonzwa zvakunzi
Ndini ndakamuchengeta
Kunge ndiwe Mwari
Hakuna munhu anochengeta mumwe munhu
Munhu anochengetwawo naMwari
Kwete neMari kwete neMari
Inzwa iwe shaMwari

[Verse 3: Soul Jah Love]
Pamwe pacho
Kana uchinge wapa iwe
Ipa nemoyo wese
Kana uchinge wabatsira
Gara waratidzira
Kwete kuzobvunza ramangwana
Kuda kuzonzi
Ndini ndakamubatsira kuroora
Ndini ndakamubatisa kutsvaga dhora
Ndini nxa
Anga arigora
Uyu anga aritsaga
Ndini ndakamuratidza zvine swagga
Ndini Aah ah bvunza Kwagga
Ndini ndakano
[Chorus: Soul Jah Love]
Hakuna munhu anochengeta munhu
Munhu anochengetwa naMwari
Haachengetwe neMari
Unonzwa zvakunzi
Ndini ndakamuchengeta
Kunge ndiwe Mwari
Hakuna munhu anochengeta Mumwe Munhu
Munhu anochengetwawo naMwari
Kwete neMari kwete neMari
Inzwa iwe shaMwari

[Verse 3: Soul Jah Love]
Zvimwe zvese munotenga mabenz
Moita futi mazimari finance
But ka Satan jamba mafence
Vataurire kuti ndiri weromance
But manje pamuchati uyo ibenz
Musingazive ndiye wacho aneStanzi
AnemaPlans achaita maFans
Ndiye achauya kumba nemaRands
Asi kana muchinge mapa
Ipai neMoyo wese
Kana muchinge maita
Itai neMoyo wese
Kwete kuzonoreva ramangwana
NdoHupenyu haufe hwakakwana
Mari haimbokukwanira
Asi Ndati hakuna
Munhu anochengeta mumwe munhu
Munhu anochengetwa naMwari
Kwete neMari
Hazvitengeke hupenyu hautengeke
Hupenyu hautengeke

[Outro]
Vawonesei
Vazive kuti Mwari
Ndiye muridzi weZvinhu izvi
Kwete kuti ndini ndaimusungira chamba
Asati aimba