Jah Prayzah
Boi Boi
[Intro]
Wa-gwi-zi
Kabhasikoro kandikanyira kakadambuka carrier
Ndakatumira nhume zvikaramba yakawira mutsime
Ndokufumira kufamba kuchinaya ndikarasika pamharadzano
Ndoti boi boi wooo, maziso kuti boi

[Chorus]
Ndakagara ndichikuda ndichinyara
Ndakagara ndichikuda
Ndakagara ndichikuda ndichinyara
Ndakagara ndichikuda
Ndakagara ndichikuda ndichinyara
Ndakagara ndichikuda

[Verse 1]
Kana ndouya ikoko, vesa kamoto
Ndikaona kamwenje murima ini ndoziva pauri chaipo
Ndini uyo pote nedondo
Kuteera pakada moyo
Ndisunungure ndiwane zororo
Wondipawo manyemwe embongoro
Ndisunungure ndiwane zororo
Wondipawo manyemwe embongoro

[Chorus]
Ndini ndaikudongorera
Ndakagara ndichikuda ndichinyara
Ndakagara ndichikuda
Ini fambe ndifambe ndomira
Ndakagara ndichikuda ndichinyara
Ndakagara ndichikuda
Haa rudo ndimonerere
Ndakagara ndichikuda ndichinyara
Ndakagara ndichikuda
Ukabvuma ndichakurera
Ndakagara ndichikuda ndichinyara
Ndakagara ndichikuda
[Verse 2]
Ndafamba rwendo chimhandara, iwe kure kwandinobva
Ndaizeza kutaura pada moyo, shoko racho ndoridudza
Asi dai taisangana muchimana, dai ndakujaira
Asi dai taizivana kubvira kare, dai ndakujaira
Ndibatire shangu, nditakanure bhachi rangu
Ndafunga kuti ndivhumbunure, zviri muhana

[Chorus]
Ndini ndaikudongorera
Ndakagara ndichikuda ndichinyara
Ndakagara ndichikuda
Ini ndifambe ndifambe ndomira
Ndakagara ndichikuda ndichinyara
Ndakagara ndichikuda
Haa rudo ndimonerere
Ndakagara ndichikuda ndichinyara
Ndakagara ndichikuda
Ukabvuma ndichakurera
Ndakagara ndichikuda ndichinyara
Ndakagara ndichikuda
Ndoti boi boi, maziso kuti boi

[Outro]
Ramba uchidira some more
Some more
Some more
Some more
Ramba uchidira some more
Alright
Ramba uchidira some more
Ndiani vakakodzera kugara
Padare remajita
Tinashe “Nash” Mutarisi
Washington Ushamba
MacDonald Murombe
Silent Killer paJoza
Clever Chazireni
Some more
Stot-ie!