Jah Prayzah
Wandakada
[Verse 1]
Kubvira zuva rekutanga
Chaingova chiro chimweni mweni chandaikumbira
Kuti dai zvaibvira
Wangondidawo ndaita mawarawo
Pane mumwe chete pane zinyekenyeke
Pane vaviri paita chisungo
Kana ukandiramba zvaramba
Asi ziva kuti ndaidawo
Svusvura ndadya kana zvikanaka
Uri mhodzi yechingwa kana zvikanaka
Tichasesedzana kana zvikanaka
Uchave wangu kana zvikanaka

[Chorus]
Magumo acho ndichange ndinewe
Ukabata hana yangu
Toenda kuhama
Ndoti ndiye wandakada

[Verse 2]
Wanyanya kundinyepudza sepwere
Kuita seunoda usingade
Buda pachena
Hari yamai, hari yamai
Hari yamai vangu inoda anosuka
[Chorus]
Dhiya magumo acho ndichange ndinewe
Ukabata hana yangu
Toenda kuhama
Ndoti ndiye wandakada

[Verse 3]
Zadzisa pandinorota
Nekuti ndiwe mhinduro yezvandinoshuvira
Umm, zadzisa zvese
Nekuti ndiwe zororo remoyo wanguka
Dhiya magumo acho ndichangе ndinewe
Ukabata hana yangu
Toenda kuhama
Ndoti ndiyе wandakada